Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 26:23-25

Genesisi 26:23-25 BDSC

Kubva ipapo akaenda kuBheerishebha. Usiku ihwohwo Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari wababa vako Abhurahama. Usatya, nokuti ndinewe. Ndichakuropafadza uye ndichakurisa zvizvarwa zvako nokuda kwomuranda wangu Abhurahama.” Isaka akavaka aritari ipapo akadana kuzita raJehovha. Akadzika tende rake ipapo uye pakare ipapo varanda vake vakachera tsime.