Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka, uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu. Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba. Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha. Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.” Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka. Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende. Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.
Verenga chikamu Genesisi 25
Terera ku Genesisi 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 25:19-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo