Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni. Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake. Asi mutumwa waJehovha akadanidzira kwaari kubva kudenga akati, “Abhurahama! Abhurahama!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Usaisa ruoko rwako pamukomana. Usamboita chimwe chinhu kwaari. Zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari, nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe woga.” Abhurahama akasimudza meso ake uye ipapo padenhere akaona gondobwe rakabatwa nenyanga dzaro. Akaendapo akatora gondobwe akaribayira sechipiriso chinopiswa. Saka Abhurahama akatumidza nzvimbo iyo kuti, “Jehovha Achapa.” Uye nanhasi zvinonzi, “Pagomo raJehovha ndipo pazvichapiwa.” Mutumwa waJehovha akadana kuna Abhurahama kubva kudenga kechipiri akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo, uye kubudikidza navana vako ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa, nokuti wakanditeerera.” Ipapo Abhurahama akadzokera kuvaranda vake, vakasimuka vose pamwe chete vakaenda kuBheerishebha.
Verenga chikamu Genesisi 22
Terera ku Genesisi 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 22:9-19
13 Mazuva
Bhaibheri irondedzero yaMwari maererano nemarudzi evanhu - Asi mumabhuku makumi matanhatu nematanhatu, nemazwi akawanda evatauri munguva dzakasiyana, hazvisi nyore kukuvanidza nyaya iyi kuva chinhu chimwe. Mwari vari kumboti kudini? Muchidzidzo chiri pano uchatevera ndima dzakakosha gumi nenhatu kubvira pakusikwa kwazvose dzamara kuna Kristu, tichivhendenyura rudingindira rwenhoroondo dzemubhaibheri. Waranura kudonha kwakaita rudzi rwemunhu, nekuvarira kwaMwari kudzosa kuyanana.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo