Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 17:3-6

Genesisi 17:3-6 BDSC

Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri.