Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 17:2-7

Genesisi 17:2-7 BDSC

Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.” Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.