Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 15:2-6

Genesisi 15:2-6 BDSC

Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?” Uye Abhurama akati, “Hamuna kundipa vana; saka muranda ari mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Murume uyu haangavi mudyi wenhaka yako, asi mwanakomana anobva mumuviri wako ndiye achava mudyi wenhaka yako.” Akamutora akamubudisa panze akati, “Tarisa kumusoro kumatenga uye uverenge nyeredzi uone zvirokwazvo kana ukakwanisa kudziverenga.” Ipapo akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.” Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.