Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 14:8-12

Genesisi 14:8-12 BDSC

Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu. Zvino mupata weSidhimi wakanga uzere namakomba etara, uye madzimambo eSodhomu neGomora paakatiza, vamwe varume vakawira maari uye vakasara vakatizira kuzvikomo. Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda. Vakatorawo Roti mwanakomana womununʼuna waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu.