Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 14:11-16

Genesisi 14:11-16 BDSC

Madzimambo mana aya akatora pfuma yose yeSodhomu neGomora nezvokudya zvavo zvose vakaenda. Vakatorawo Roti mwanakomana womununʼuna waAbhurama nepfuma yake, sezvo akanga achigara muSodhomu. Mumwe akapunyuka akauya akasvikoudza Abhurama muHebheru. Zvino Abhurama akanga achigara pedyo nemiti mikuru yaMamure muAmori, mununʼuna waEshikori naAneri, avo vose vainzwanana naAbhurama. Abhurama akati anzwa kuti hama yake yakanga yatapwa, akadana varume vakanga vadzidziswa kurwa mazana matatu negumi navasere vakaberekerwa mumba make vakavatevera kusvikira paDhani. Abhurama akapatsanura vanhu vake panguva dzousiku kuti vandovarwisa, uye vakavakunda, vakavatevera kusvikira paHobhabhi, kumusoro kweDhamasiko. Akadzosa zvinhu zvose uye akadzosawo hama yake Roti nepfuma yake, pamwe chete navakadzi navamwe vanhu.