Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira. Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi. Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo. Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.” Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.
Verenga chikamu Genesisi 13
Terera ku Genesisi 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 13:14-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo