Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti. Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa, vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika. Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana. Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo. Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.
Verenga chikamu Genesisi 11
Terera ku Genesisi 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesisi 11:27-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo