Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo. Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake. Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nounomudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
Verenga chikamu VaGaratia 6
Terera ku VaGaratia 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaGaratia 6:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo