Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 2:13-14

VaGaratia 2:13-14 BDSC

Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo. Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza veDzimwe Ndudzi kuti vatevere tsika dzechiJudha?