Ipapo, paRwizi rweAhavha, ndakatara nguva yokutsanya kuti tizvininipise pamberi paMwari wedu uye kuti timukumbire kuti atifambise rwendo rwakanaka isu navana vedu nepfuma yedu yose. Nokuti ndakanyara kukumbira mambo kuti atipe varwi navatasvi vamabhiza kuti vatirwire kubva kuvavengi vedu parwendo nokuti takanga taudza mambo kuti, “Ruoko rwenyasha rwaMwari wedu rwuri pamusoro pomunhu wose anotarira kwaari.” Naizvozvo takatsanya uye tikanyengetera kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi, uye akapindura munyengetero wedu.
Verenga chikamu Ezira 8
Terera ku Ezira 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezira 8:21-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo