Ezira 3:11
Ezira 3:11 BDSC
Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti: “Jehovha akanaka; rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.” Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.

