Ipapo iye akati kwandiri, “Profita kumapfupa aya uti kwaari, ‘Imi mapfupa akaoma, inzwai shoko raJehovha: Zvanzi naIshe Jehovha kumapfupa aya: Ndichaisa mweya mukati menyu mugorarama. Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ” Saka ndakaprofita sezvandakarayirwa. Zvino ndakati ndichiprofita, kwakava nomumvumo, nokurira kwaiti kweche kweche, uye mapfupa akaswededzana, bvupa nebvupa.
Verenga chikamu Ezekieri 37
Terera ku Ezekieri 37
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezekieri 37:4-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo