“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda. Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo. “ ‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo. Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu. Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu. Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu. Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wenyu. Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo ndigozviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu. Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara. Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza.
Verenga chikamu Ezekieri 36
Terera ku Ezekieri 36
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezekieri 36:22-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo