Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata, kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye napamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose. Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika. Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose. Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende. Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino. Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa zvichiri musango, uye zvichafa.’ ” Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati.
Verenga chikamu Ekisodho 9
Terera ku Ekisodho 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 9:13-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo