“Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru. Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita. Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ”
Verenga chikamu Ekisodho 6
Terera ku Ekisodho 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 6:6-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo