“Saka Bhezareri, Ohoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi apiwa unyanzvi naJehovha uye kugona kuziva maitirwo ebasa rokuvaka imba tsvene ngavaite basa sezvakarayirwa naJehovha.” Ipapo Mozisi akadana Bhezareri naOhoriabhu uye nomunhu wose wounyanzvi uyo akapiwa kugona naJehovha uye akanga achida hake kuuya kuzoshanda basa. Vakagamuchira kubva kuna Mozisi zvipo zvose zvakanga zvauya navaIsraeri kuti zvishandiswe pabasa rokuvaka imba tsvene. Uye vanhu vakaramba vachiuyisa zvipo zvokupa nokuzvisarudzira mangwanani oga oga. Saka varume vose voumhizha vakanga vachiita basa rose rapaimba tsvene vakasiya basa ravo vakati kuna Mozisi, “Vanhu vari kuuya nezvakawandisa zvokuitisa basa rakarayirwa naJehovha kuti riitwe.” Ipapo Mozisi akarayira uye vakatuma shoko iri pakati pomusasa wose vachiti, “Ngakurege kuva nomurume kana mukadzi achaitazve chimwe chinhu sechipo chenzvimbo tsvene.” Nokudaro vanhu vakadziviswa kuuyisa zvimwe, nokuti zvavakanga vatova nazvo zvakanga zvatowandisa pane zvaidiwa kuita basa rose. Varume vose vounyanzvi vakaita tabhenakeri nezvidzitiro gumi zvemicheka yakarukwa zvakaisvonaka newuru yebhuruu, pepuru netsvuku, namakerubhi akasonerwa mazviri nemhizha ino unyanzvi. Zvidzitiro zvose zvakanga zvakaenzana, zvakareba makubhiti makumi maviri namasere uye makubhiti mana paupamhi. Vakabatanidza zvimwe zvidzitiro zvishanu pamwe chete uye vakaita zvimwe chetezvo pane zvimwe zvishanu. Ipapo vakaita zvishwe zvomucheka webhuruu zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokumucheto mumubatanidzwa mumwe chete, zvimwe chetezvo zvikaitwawo kune chimwe chidzitiro chokumucheto. Vakaitawo zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chimwe chete uye zvishwe makumi mashanu pachidzitiro chokupedzisira chezvimwe zvakabatanidzwa nezvishwe zvakanga zvakatarisana. Ipapo vakaita zvikorekedzo zvegoridhe makumi mashanu ndokuzvishandisa kusonanidza zvibatanidzwa zviviri zvezvidzitiro pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe chete. Vakaita zvidzitiro zvemvere dzembudzi zvetende rapamusoro petabhenakeri, gumi nechimwe pamwe chete. Zvidzitiro zvose zviri gumi nechimwe zvakanga zvakaenzana, makubhiti makumi matatu pakureba uye makubhiti mana paupamhi. Vakabatanidza zvidzitiro zvishanu pamwe chete kuti zvive mubatanidzwa mumwe chete, uye zvimwe zvitanhatu kuti zvive pamwe chete. Ipapo vakaita zvishwe makumi mashanu zvaitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muchibatanidzwa chimwe chete uyewo zvichitevedza mupendero wechidzitiro chokupedzisira muno mumwe mubatanidzwa. Vakaita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu kuti zvisunganidze tende pamwe chete zvive sechinhu chimwe chete. Ipapo vakagadzirira tende chifukidzo chamatehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku, uye pamusoro pacho chifunhiro chamatehwe emombe dzomugungwa.
Verenga chikamu Ekisodho 36
Terera ku Ekisodho 36
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 36:1-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo