Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha. Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye. Asi Mozisi akavadana; uye Aroni navatungamiri vose vavanhu vakadzokera kwaari, uye akataura navo. Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai. Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi pose paaipinda paKuvapo kwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa, vaiona kuti chiso chake chakanga chichibwinya. Ipapo Mozisi aizoisazve chifukidzo pachiso chake kusvikira apinda kundotaura naJehovha.
Verenga chikamu Ekisodho 34
Terera ku Ekisodho 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 34:29-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo