Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 32:1-5

Ekisodho 32:1-5 BDSC

Vanhu vakati vaona kuti Mozisi akanga anonoka kwazvo kuburuka kubva mugomo, vakaungana pana Aroni vakati, “Uya, tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari munhu uyu Mozisi akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.” Aroni akavapindura akati, “Bvisai mhete dzegoridhe dzakapfekwa navakadzi venyu, vanakomana venyu navanasikana venyu mugouya nadzo kwandiri.” Saka vanhu vose vakabvisa mhete dzavo vakauya nadzo kuna Aroni. Akatora zvavakamupa akaita nazvo chifananidzo chakaumbwa muchimiro chemhuru, achichiveza nembezo. Ipapo vakati, “Ava ndivo vamwari venyu, imi Israeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.” Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.”