Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape. “Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: “goridhe, sirivha, ndarira; wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi; matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuunga; mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuhwira zvemafuta okuzodza anonhuhwira uye nezvimwe zvinonhuhwira; mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva. “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo. Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.
Verenga chikamu Ekisodho 25
Terera ku Ekisodho 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 25:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo