Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 21:33-36

Ekisodho 21:33-36 BDSC

“Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifushira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri, muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake. “Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo. Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.