Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 21:12-16

Ekisodho 21:12-16 BDSC

“Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura. Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye. “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.