Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti, ‘Mazvionera pachenyu kuti ndataura kwamuri ndiri kudenga ndikati: Musaita vamwari vapi zvavo kunze kwangu; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vegoridhe. “ ‘Mundiitire aritari yevhu mugobayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa uye zvipiriso zvokuwadzana, makwai enyu, mbudzi dzenyu nemombe dzenyu. Pose pandichaita kuti zita rangu rikudzwe, ndichauya kwamuri ndigokuropafadzai. Kana muchindiitira aritari yamabwe, musaivaka namabwe akavezwa, nokuti mungazoisvibisa kana mukashandisa mbezo pairi. Uye musakwira kuaritari yangu namatanho, kuti kusasimira kwenyu kurege kuonekwa muri pairi.’
Verenga chikamu Ekisodho 20
Terera ku Ekisodho 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 20:22-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo