Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 16:1-3

Ekisodho 16:1-3 BDSC

Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”