Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 16:1-23

Ekisodho 16:1-23 BDSC

Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira. Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.” Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti, uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?” Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.” Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’ ” Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa. Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje. VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’ ” VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma. Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira. Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.” Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira. Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika. Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviri pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi. Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’ ”