“Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata. VaIsraeri vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi naAroni. Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose omuIjipiti, kubva padangwe raFaro, iye aizogara pachigaro choushe, kusvika kudangwe romusungwa, akanga ari mutorongo, nedangwe rezvipfuwo zvosewo. Faro namachinda ake ose uye navaIjipita vose vakamuka usiku, uye kwakava nokuungudza kukuru muIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba isina munhu akanga afa.
Verenga chikamu Ekisodho 12
Terera ku Ekisodho 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 12:24-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo