Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esteri 9:16-19

Esteri 9:16-19 BDSC

Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa. Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro. Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro. Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo.