Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa. Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro. Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro. Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo.
Verenga chikamu Esteri 9
Terera ku Esteri 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esteri 9:16-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo