Esteri 6:1-2
Esteri 6:1-2 BDSC
Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa. Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi.

