Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai. Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai, “Vabati vose vamambo navanhu vomunyika dzamambo vanoziva kuti mambo vanongova nomurayiro mumwe wokuti, murume upi zvake kana mukadzi anosvika pana mambo muruvazhe rwomukati asina kudaidzwa anofanira kuurayiwa. Anongoraramiswa chete kana mambo atambanudzira tsvimbo yake yegoridhe kwaari. Asi mazuva makumi matatu atopfuura mushure mokunge ndadaidzwa kuti ndiende kuna mambo.”
Verenga chikamu Esteri 4
Terera ku Esteri 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esteri 4:9-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo