Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esteri 4:15-17

Esteri 4:15-17 BDSC

Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.” Saka Modhekai akaenda akaita zvose zvakanga zvarayirwa naEsteri.