Ipapo Esteri akatumira mhinduro kuna Modhekai achiti, “Enda unounganidza vaJudha vose vari muShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu. Musadya kana kunwa kwamazuva matatu, usiku namasikati. Ini navarandakadzi vangu tichazvinyima zvokudya sezvamuchaita imi. Kana izvi zvaitwa, ndichaenda kuna mambo, kunyange zvisingatenderwi nomurayiro. Uye kana ndichiparara, ndichaparara hangu.” Saka Modhekai akaenda akaita zvose zvakanga zvarayirwa naEsteri.
Verenga chikamu Esteri 4
Terera ku Esteri 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esteri 4:15-17
3 Mazuva
Zuva nezuva, tinosangana nesarudzo dzekuita uye dzinoratidza neimwe nzira mwero wekutenda kwedu uye kuvimba kwedu muna Mwari. Chii chinopesvedzera sarudzo dzatinoita zuva nezuva? Ndedzipi sarudzo dzinogona kutiswededza pedyo naMwari kana kutidzinga kure naye? Chii chinokosha pakuramba tichiita sarudzo dzokuchenjera, dzeuMwari? Vamwe vanhu vomuBhaibheri vakaita sarudzo dzaidiwa naMwari uye vamwe vakaita sarudzo dzisina kururama dzinodhura. Chidzidzo chino chinoda kupindura mibvunzo iyi uye kuongorora vamwe vevanhu vemuBhaibheri ava.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo