Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esteri 2:8-9

Esteri 2:8-9 BDSC

Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai. Musikana akamufadza akawana nyasha kwaari. Pakarepo akamupa zvinonhuhwira zvinowedzera runako uye nezvokudya zvakatsaurwa. Akamupa vasikana vanomwe vakanga vasarudzwa kubva munhare yamambo ndokumuendesa iye navasikana vake kunzvimbo yakanga yakanakisisa muimba yavakadzi.