Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi. Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya. Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu. Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu. Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo. Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
Verenga chikamu VaEfeso 5
Terera ku VaEfeso 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 5:17-24
3 Mazuva
Munguva ine uipi yakararamwa naPauro, akaona chikonzero chakanaka chekucherechedza mafambiro kuri kudzivirira zvakaipa. Zvakaipa zvose nemusiyano wazvo zvakanga zvichisimuka zvikuru kuvateveri vaKristu. Pauro anoyambira VaEfeso kuti vagone kungwarira nguva yawo chaizvo achishandisa mutsara unoreva “kutenga”. Kuverenga nekungwarira nguva kunosanganisa kukurumidza kufunga pachinhu munguva yaunenge wakamamikidzika nezvinhu zvinodzosera kumashure.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo