Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu. Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa, nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare, uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo. Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo. Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete. Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She.
Verenga chikamu VaEfeso 2
Terera ku VaEfeso 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 2:13-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo