Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti chiitwe pakukwana kwenguva, auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu. Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake, kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake.
Verenga chikamu VaEfeso 1
Terera ku VaEfeso 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 1:7-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo