Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 1:4-6

VaEfeso 1:4-6 BDSC

Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.