Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake, kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe. Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose. Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti chiitwe pakukwana kwenguva, auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu.
Verenga chikamu VaEfeso 1
Terera ku VaEfeso 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 1:3-10
3 Mazuva
Mukati meguta mune uipi hwakanyanyisa, Pauro anonyora kuti makristu azive izvo Mwari zvavanofunga pamusoro pevanhu. Mwari vanotida. Kumuziva kwedu zvakanyanya, ndiko kunzwisisawo kwedu rudo rwake kwatiri. Tose tinotarisira kudiwa nekugamuchirwa kwakanaka, uye kunofadza. Kumakristu, takadiwa nekusarudzwa naMwari nyika isati yavambwa. Tiri wake uye vamwe vemhuri yake.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo