Uye ndakaona kuti kushanda kwose nokuwana kwose kwomunhu kunobva pakuchiva muvakidzani wake. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo. Benzi rinopeta maoko aro, rozviparadza. Tsama imwe yorugare inopfuura tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo. Zvino ndakaona chinhu chisina maturo pasi pezuva. Kwaiva nomunhu aigara ari oga; akanga asina mwanakomana, kana mununʼuna. Kushanda kwake kwakanga kusina magumo, kunyange zvakadaro meso ake haana kugutswa nepfuma yake. Akabvunza akati, “Ndinotambudzikira aniko, uye sei ndichizvinyima mafaro?” Naizvozviwo hazvina maturo, basa rokutambura!
Verenga chikamu Muparidzi 4
Terera ku Muparidzi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Muparidzi 4:4-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo