Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 1:14-18

Muparidzi 1:14-18 BDSC

Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi. Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi; chinoshayikwa hachingaverengwi. Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo. Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.