Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 4:15-20

Dhuteronomi 4:15-20 BDSC

Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhi ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru, kuitira kuti murege kuzvisvibisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingava chakaitwa somurume kana somukadzi, kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga, kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura. Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga. Asi kana muri imi, Jehovha akakutorai akakubudisai muchoto chamatare, akakubudisai muIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.