Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 28:15-19

Dhuteronomi 28:15-19 BDSC

Asi, kana usingateereri Jehovha Mwari wako uye usingachenjereri kutevera mirayiro yake yose nemitemo yandinokupa nhasi, kutukwa kwose uku kuchava pamusoro pako, uchakundwa nako: Uchatukwa muguta uye uchatukwa mumunda. Dengu rako nomudziyo wako wokukanyira chingwa zvichatukwa. Chibereko chomuviri wako chichatukwa, uye zvirimwa zvevhu rako, nemhuru dzemhou dzako namakwayana amakwai ako. Uchatukwa kana uchipinda uye uchatukwa kana uchibuda.