Kana muchiteerera zvakanaka Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandinokupai nhasi, Jehovha Mwari wenyu achakuisai pamusoro-soro pendudzi dzose dzapanyika. Maropafadzo aya ose achauya pamusoro penyu uye achava nemi kana muchiteerera Jehovha Mwari: Ucharopafadzwa muguta uye ucharopafadzwa mumunda. Zvibereko zvomuviri wako zvicharopafadzwa, uye zvibereko zvevhu rako nezvibereko zvemombe dzako, mhuru dzemhou dzako uye namakwayana amakwai ako. Dengu rako nomudziyo waunokanyira chingwa zvicharopafadzwa. Ucharopafadzwa kana uchipinda uye ucharopafadzwa kana uchibuda.
Verenga chikamu Dhuteronomi 28
Terera ku Dhuteronomi 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhuteronomi 28:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo