Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 1:15-17

Dhuteronomi 1:15-17 BDSC

Saka ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi. Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa. Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.