Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa. “Izvi ndizvo zvakanyorwa: mene, mene, tekere, ufasini. “Hezvino zvinoreva mashoko aya: “ Mene : Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa. Tekere : Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka. Peresi : Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.” Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo. Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa, Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.
Verenga chikamu Dhanieri 5
Terera ku Dhanieri 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 5:24-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo