Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 4:13-17

Dhanieri 4:13-17 BDSC

“Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga. Akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo. Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango. “ ‘Ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika. Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera. “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’