Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:13-15

Dhanieri 3:13-15 BDSC

Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo, Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa? Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifananidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?”