Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose.
“Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo. Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya, akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.
“Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose. Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose. Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu. Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi. Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana.
“Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi. Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara.
“Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”