Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva. Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori. Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai. Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make. Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea.
Verenga chikamu VaKorose 4
Terera ku VaKorose 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaKorose 4:12-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo