Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari. Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya. Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama.
Verenga chikamu VaKorose 3
Terera ku VaKorose 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaKorose 3:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo